Daniel 10:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini ndikasiyiwa ndiri ndoga, ndikaʋona cinhu ici cikuru candakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kweciso caŋgu kwakashanduka kuipa mukati maŋgu, ndikasazoʋa nesimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakasiyiwa ndiri ndoga, ndakatarira kuchiratidzo chikuru; ndakanga ndisisina simba, chiso changu chakashanduka chikatsvukuruka uye ndakanga ndapererwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo ndakasiyiwa ndangova ndoga ndichiona chiratidzo ichocho chikuru asi ndisisina simba. Kunyatsoonekerawo kwouso hwangu kwakasanduka zvinotyisa ndikapera simba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini ndikasiyiwa ndiri ndoga, ndikaona chinhu ichi chikuru chandakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba.
Shona 2009?
Ini ndikasiyiwa ndiri ndoga, ndikaona chinhu ichi chikuru chandakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba.
Shona SUB 2002 Bible
Ini ndikasiyiwa ndiri ndoga, ndikaona chinhu ichi chikuru chandakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba.