Daniel 11:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo wokumsoro ucaȿika, ndokuʋatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakaʋakirwa kwaɀo; hondo dzezasi hadziŋgagoni kumira, kunyaŋge naʋanhu ʋake ʋakatsaurwa, ʋuye ʋacashaiwa simba rokumira naro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo woKumusoro achauya agovaka mirwi yokurwisa uye achapamba guta rakakomberedzwa, Mauto eZasi achashaya simba rokuzvidzivirira; kunyange mapoka emhare dzavo achashaya simba rokumira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino mambo wokuchamhembe achauya ovaka chinenge musana wenzou chokukombesa nacho guta agorikurira, guta rakanyatsovakirirwa netsvingo. Varwi vehondo yokumaodzanyemba havambopamira kunyange zvikwata zvenyanzvi dzake dzavarwi nokuti simba rokumira panenge pasisina.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo wokumusoro achasvika, ndokuvatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakavakirwa kwazvo; hondo dzezasi handingagoni kumira, kunyange navanhu vake vakatsaurwa, uye vachashayiwa simba rokumira naro.
Shona 2009?
Zvino mambo wokumusoro achasvika, ndokuvatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakavakirwa kwazvo; hondo dzezasi handzingagoni kumira, kunyange navanhu vake vakatsaurwa, uye vachashayiwa simba rokumira naro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo wokumusoro achasvika, ndokuvatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakavakirwa kwazvo; hondo dzezasi handingagoni kumira, kunyangwe navanhu vake vakatsaurwa, uye vachashayiwa simba rokumira naro.