Daniel 11:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ucashiŋgaira kuʋuya nesimba roʋushe bgake bgose, anesuŋgano yake; ucaita iɀoɀo, ucamupa mŋanasikana waʋakadzi, kuti amuparadze; asi ɀicakona, haana‐caacawana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achashingaira kuti auye navane simba voumambo hwake hwose uye achabatana namambo weZasi. Uye achamupa mwanasikana wake kuti amuwane kuitira kuti aparadze umambo, asi urongwa hwake hahuzobudiriri kana kumubatsira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Achafunga zvokuuya nesimba rake rose roumambo achiuya nezvingaunze rugare agosvikozviita. Achamupa mhandara yomukadzi yokuti aparadze nayo nyika iyoyo asi hazvizoitika kana kumubatsira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ipapo achashingaira kuuya nesimba roushe hwake hwose, ane sungano yake; achaita izvozvo, achamupa mwanasikana wavakadzi, kuti amuparadze; asi zvichakona, haana chaachawana.
Shona 2009?
"Ipapo achashingaira kuuya nesimba roushe hwake hwose, ane sungano yake; achaita izvozvo, achamupa mwanasikana wavakadzi, kuti amuparadze; asi zvichakona, haana chaachawana.
Shona SUB 2002 Bible
“Ipapo achashingaira kuuya nesimba roushe hwake hwose, ane sungano yake; achaita izvozvo, achamupa mwanasikana wavakadzi, kuti amuparadze; asi zvichakona, haana chaachawana.