Daniel 11:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndicakuziʋisa ɀokwaɗi. Tarira, paPersia pacamuka ɀe madzimambo matatu; wecinna ucaʋa mufumi kupfuʋura iʋaʋo ʋose; ɀino kana asimba kwaɀo nefuma yake, ucamutsa ʋamŋe ʋose kuzorwa noʋushe bgeGirisi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino ipapo, ndinokuudza chokwadi: Mamwezve madzimambo matatu achavamo muPezhia, uye ipapozve mumwe wechina, achava akafuma kupfuura vamwe vose. Paachava nesimba nokuda kwepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noumambo hweGirisi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye zvino ndava kukuratidza chokwadi.” “Chinzwa, kuchamuka madzimambo matatu munyika yePezhia. Wechina wacho achava mupfumi kupinda vamwe vose zvavo. Kana ave nesimba, pamusana poupfumi hwake acharunzira vamwe vose kuti varwise umambo hwenyika yeGirisi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino ndichakuzivisa chokwadi. Tarira, paPeresia pachamukazve madzimambo matatu; wechina achava mupfumi kupfuura ivavo vose; zvino kana asimba kwazvo nepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noushe hweGirisi.
Shona 2009?
"Zvino ndichakuzivisa chokwadi. Tarira, paPeresia pachamukazve madzimambo matatu; wechina achava mupfumi kupfuura ivavo vose; zvino kana asimba kwazvo nefuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noushe bweGirisi.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino ndichakuzivisa chokwadi. Tarira, paPeresia pachamukazve madzimambo matatu; wechina achava mupfumi kupfuura ivavo vose; zvino kana asimba kwazvo nepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noushe hweGirisi.