Daniel 11:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Panɀimbo yake kucamuka munhu unofanira kuɀidzwa, wakaŋga asinokupiwa kukudzwa kwoʋushe; asi iye ucaȿika neŋguʋa yokufara kwaʋanhu, ndokutora ʋushe nokuɓata kumeso.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Achatsiviwa nomunhu anozvidzwa asina kumbopiwa rukudzo rwoumambo. Iye achapamba umambo panguva iyo vanhu vanenge vakadekara, uye achahubvuta nenzira yokubata kumeso.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Panzvimbo pake pachamuka munhu anoshoreka asina kumbopiwa ukuru hwoumambo. Achangoyerekana apindamo agowana umambo nounyengedzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa kwoushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso.
Shona 2009?
"Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa koushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso.
Shona SUB 2002 Bible
“Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa kwoushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso.