Daniel 11:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa yokufara kwaʋanhu ucapinda pamatiʋi akaʋorera enyika; ucaita ɀisino‐kumboitwa namadziɓaɓa ake, kunyaŋge namadziɓaɓa amadziɓaɓa ake; ucaparadzira pakati paʋo ɀaakatapa neɀaakapamba nenhumbi; ucatanda mano ake pamsoro penhare, asi neŋguʋa ɓedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Matunhu akapfuma paanenge adekara, acharwisa uye achakwanisa kuita zvisina kumboitwa namadzibaba ake kana madzitateguru ake. Achagovera zvaakapamba, zvaakatora nebipitira nepfuma, pakati pavanhu vake. Achaita rangano yokuparadza nhare, asi kwechinguva chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achangozoyerekana asvika munzvimbo dzakapfumisisa kwazvo dzenyika iyoyo agoitamo zvisina ani ati amboita kana madzibaba ake kunyange madzitateguru ake zvawo achimwayanisa mukati mavo zvinhu zvokupamba nezvokutora muhondo nezvimwewo zvinhu. Nhare dzokuhwanda muhondo, achadzirongera mano asi zvichingova zvekachinguva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyange namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva bedzi.
Shona 2009?
Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyange namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva bedzi.
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyangwe namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva bedzi.