Daniel 11:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ucamutsira mambo wezasi simba rake nomŋoyo wake, anehondo huru; mambo wezasi ucarwa anehondo huru kwaɀo inesimba; asi haaŋgamiri, nokuti ʋacamutandira mano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nehondo huru achamutsa simba rake nokushinga kwake kuti arwise mambo weZasi. Mambo weZasi acharwa naye nehondo huru kwazvo uye hondo ine simba kwazvo, asi haazogoni kumira nokuda kwamano aakarongerwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achakoka simba agoita chivindi chokundorwisa mambo wokumaodzanyemba nehondo huru yavarwi. Mambowo wokumaodzanyemba acharwisawo aine hondo huru huru kwazvo ine simba asi haambopamira nokuti acharukirwa mazano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ipapo achamutsira mambo wezasi simba rake nomwoyo wake, ane hondo huru kwazvo ine simba; asi haangamiri, nokuti vachamutandira mano.
Shona 2009?
"Ipapo achamutsira mambo wezasi simba rake nomwoyo wake, ane hondo huru kwazvo ine simba; asi haangamiri, nokuti vachamutandira mano.
Shona SUB 2002 Bible
“Ipapo achamutsira mambo wezasi simba rake nomwoyo wake, ane hondo huru kwazvo ine simba; asi haangamiri, nokuti vachamutandira mano.