Daniel 11:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ari madzimambo awo maʋiri, mŋoyo yaʋo icaɗa kuita ɀakashata, ʋacareʋa nhema ʋari patafura rimŋe; asi haɀiŋgaɓatsiri, nokuti kuguma kucaȿika neŋguʋa yakatarwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Madzimambo maviri, vane mwoyo yavo yakakombamira pane zvakaipa, vachagara patafura imwe chete vachireverana nhema, asi pasina zvazvinobatsira, nokuti kuguma kuchasvika zvakadaro panguva yakatarwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Madzimambo iwayo ari maviri achange ari pakunyengedza bedzi. Vachataurirana nhema ivo vachidya patebhuru imwechete asi zvisina chimuko nokuti kuguma kwacho kuchauya zvako nenguvawo yako yakatemwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ari madzimambo awo maviri, mwoyo yavo ichada kuita zvakashata, vachareva nhema vari patafura rimwe; asi hazvingabatsiri, nokuti kuguma kuchasvika nenguva yakatarwa.
Shona 2009?
Kana ari madzimambo awo maviri, mwoyo yavo ichada kuita zvakashata, vachareva nhema vari patafura rimwe; asi hazvingabatsiri, nokuti kuguma kuchasvika nenguva yakatarwa.
Shona SUB 2002 Bible
Kana ari madzimambo awo maviri, mwoyo yavo ichada kuita zvakashata, vachareva nhema vari patafura rimwe; asi hazvingabatsiri, nokuti kuguma kuchasvika nenguva yakatarwa.