Daniel 11:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀikepe ɀeKitimi ɀicaʋuya kuzorwa naye; naiɀoɀo ucaʋora mŋoyo, ndokudzoka akatsamŋa pamsoro pesuŋgano, ndokuita seɀaanoɗa; ucadzoka, ndokuʋa nehanya naʋakaramba suŋgano tȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvikepe zvokuzviwi zvokumavirira zvichamupikisa, uye iye achaora mwoyo. Ipapo achadzokera kwaabva agondopedzera shungu dzake pamusoro pesungano tsvene. Achadzokera agondofarira vaya vanorasa sungano tsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokuti ngarava dzokuKitimu dzichauya kuzomurwisa, zvino iye achatya agopishinuka odzokera kwaabva agosvikopedzera ushungushungu pakurwisa chitenderano chinoera. Achadzoka achiwirirana navanhu vakafuratira chitenderano chinoera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvikepe zveKitimi zvichauya kuzorwa naye; naizvozvo achaora mwoyo, ndokudzoka akatsamwa pamusoro pesungano, ndokuita sezvaanoda; achadzoka, ndokuva nehanya navakaramba sungano tsvene.
Shona 2009?
Nokuti zvikepe zveKitimi zvichauya kuzorwa naye; naizvozvo achaora mwoyo, ndokudzoka akatsamwa pamusoro pesungano, ndokuita sezvaanoda; achadzoka, ndokuva nehanya navakaramba sungano tsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvikepe zveKitimi zvichauya kuzorwa naye; naizvozvo achaora mwoyo, ndokudzoka akatsamwa pamusoro pesungano, ndokuita sezvaanoda; achadzoka, ndokuva nehanya navakaramba sungano tsvene.