Daniel 11:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo uyo ucaita seɀaanoɗa; ucaɀiita mukuru, ucaɀikudza aciti ndinopfuʋura ʋamŋari ʋose, ucataura ɀinhu ɀinoshamisa pamsoro paMŋari waʋamŋari; iye ucafara paneɀaanoita kuȿikira kutsamŋa kwapera, nokuti ɀakatemŋa ɀicaitika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mambo uyu achaita sezvaanoda. Achazvisimudzira nokuzvikudza pamusoro pavamwari vose uye achataura zvinhu zvisina kumbonzwikwa pamusoro paMwari wavamwari. Achabudirira kusvikira nguva yokutsamwa yapera, nokuti zvakatemwa zvinofanira kuitika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mambo iyeyo achaita sokuda kwake zvake; achazvitutumadza achizvikudza pamusoro pavamwari vose achitaura zvinhu zvokushamisira achishora Mwari wavamwari. Achabudirira kusvikira Mwari aratidza hasha dzake nokuti zvakarongwa izvozvo zvichatoitika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mambo uyo achaita sezvaanoda; achazviita mukuru, achazvikudza achiti ndinopfuura vamwari vose, achataura zvinhu zvinoshamisa pamusoro paMwari wavamwari; iye achafara pane zvaanoita kusvikira kutsamwa kwapera, nokuti zvakatemwa zvichaitika.
Shona 2009?
"Mambo uyo achaita sezvaanoda; achazviita mukuru, achazvikudza achiti ndinopfuura vamwari vose, achataura zvinhu zvinoshamisa pamusoro paMwari wavamwari; iye achafara pane zvaanoita kusvikira kutsamwa kwapera, nokuti zvakatemwa zvichaitika.
Shona SUB 2002 Bible
“Mambo uyo achaita sezvaanoda; achazviita mukuru, achazvikudza achiti ndinopfuura vamwari vose, achataura zvinhu zvinoshamisa pamusoro paMwari wavamwari; iye achafara pane zvaanoita kusvikira kutsamwa kwapera, nokuti zvakatemwa zvichaitika.