Daniel 11:38 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi panɀimbo yaɀo ucakudza mŋari wenhare; mŋari wakaŋga asiŋgazikanwi namadziɓaɓa ake, ndiye waacakudza nendarama nesirveri namabge anokosha neɀinhu ɀinoɗikanwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pachinzvimbo chazvo, achakudza mwari wenhare; achakudza negoridhe nesirivha namatombo anokosha, nezvipo zvomutengo wapamusoro, mwari akanga asingazivikanwi namadzibaba ake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye acharemekedza mwari wamaguta nenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo panzvimbo paivava, mwari akanga asingazikanwi namadzitateguru ake iyewo ndiye waachatoremekedza nendarama nesirivha namatombo anokosha nezvipo zvinodaidza mari yakawanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi panzvimbo yazvo achakudza mwari wenhare; mwari wakanga asingazikanwi namadzibaba ake, ndiye waachakudza nendarama nesirivha namabwe anokosha nezvinhu zvinodikanwa.
Shona 2009?
Asi panzvimbo yazvo achakudza mwari wenhare; mwari wakanga asingazikamwi namadzibaba ake, ndiye waachakudza nendarama nesirivha namabwe anokosha nezvinhu zvinodikamwa.
Shona SUB 2002 Bible
Asi panzvimbo yazvo achakudza mwari wenhare; mwari wakanga asingazikanwi namadzibaba ake, ndiye waachakudza nendarama nesirivha namabwe anokosha nezvinhu zvinodikanwa.