Daniel 11:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ucarwa nenhare dzakaiȿo‐ɓata aciɓatsirwa namŋari waʋatorwa; aninani unoɗikanwa naye, iye ucakudzwa naye ɀikuru; ucaʋaɓatisa ʋushe pamsoro paʋanhu ʋazhinji, aciʋagoʋera nyika uʋe muɓairo waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Acharwisa nhare dzakasimbisisa achibatsirwa namwari wavatorwa uye achakudza zvikuru vaya vanomugamuchira. Achavaita vabati pamusoro pavanhu vazhinji uye achagovera nyika nomutengo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achawana zvaanoita nenhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo chaiyo akasungwa noutare kusimba achibatsirwa namwari wechirudzi. Vanenge vamugamuchira achavakudza nokuvapa mbiri achivaita vatongi vavanhu vakawanda achikamura-kamura zvake nyika achiitengesa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Acharwa nenhare dzakaisvobata achibatsirwa namwari wavatorwa; ani naani anodikanwa naye, iye achakudzwa naye zvikuru; achavabatisa ushe pamusoro pavanhu vazhinji, achivagovera nyika uve mubayiro wavo.
Shona 2009?
Acharwa nenhare dzakaisvobata achibatsirwa namwari wavatorwa; ani naani anodikamwa naye, iye achakudzwa naye zvikuru; achavabatisa ushe pamusoro pavanhu vazhinji, achivagovera nyika uve mubayiro wavo.
Shona SUB 2002 Bible
Acharwa nenhare dzakaisvobata achibatsirwa namwari wavatorwa; ani naani anodikanwa naye, iye achakudzwa naye zvikuru; achavabatisa ushe pamusoro pavanhu vazhinji, achivagovera nyika uve mubairo wavo.