Daniel 11:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mamŋe makore apfuʋura, ʋacaita suŋgano; mukunda wamambo wezasi ucaenda kunamambo wokumsoro kuzotȿaka suŋgano, asi iye mukunda haaŋgarambi anesimba roruʋoko rwake; kunyaŋge naiye mambo haaŋgamiri, nesimba roruʋoko rwake; asi mukunda, naʋakaʋuya naye, naiye wakamuɓereka, naiye wakamusimbisa neŋguʋa idzo ʋacaiswa kukuparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwamamwe makore, vachazobatana. Mwanasikana wamambo weZasi achaenda kuna mambo woKumusoro kuti anoita sungano, asi mwanasikana uyu haangarambi ane simba rake, uye iye mambowo nesimba rake zvichaguma. Mumazuva iwayo mwanasikana acharaswa, pamwe chete navanomurinda nababa vake uye naiye anomutsigira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure memakore akati kuti vachaita chibvumirano. Mukunda wamambo wokumaodzanyemba achaenda kuna mambo wokuchamhembe kuti pave nokuwirirana. Asi mukunda iyeyo haazokwanisa kuramba aine simba mumaoko make. Murume wacho nomwana wake havambopagara, asi mukunda iyeyo achapfuudzwa pamwechete navanomushandira nomwana wake naiye akamuroora wacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mamwe makore apfuura, vachaita sungano; mukunda wamambo wezasi achaenda kuna mambo wokumusoro kuzotsvaka sungano, asi iye mukunda haangarambi ane simba roruoko rwake; kunyange naiye mambo haangamiri, nesimba roruoko rwake; asi mukunda, navakauya naye, naiye akamubereka, naiye akamusimbisa nenguva idzo vachaiswa kukuparadzwa.
Shona 2009?
Kana mamwe makore apfuura, vachaita sungano; mukunda wamambo wezasi achaenda kuna mambo wokumusoro kuzotsvaka sungano, asi iye mukunda haangarambi ane simba roruoko rwake; kunyange naiye mambo haangamiri, nesimba roruoko rwake; asi mukunda, navakauya naye, naiye akamubereka, naiye akamusimbisa nenguva idzo vachaiswa pakuparadzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Kana mamwe makore apfuura, vachaita sungano; mukunda wamambo wezasi achaenda kuna mambo wokumusoro kuzotsvaka sungano, asi iye mukunda haangarambi ane simba roruoko rwake; kunyangwe naiye mambo haangamiri, nesimba roruoko rwake; asi mukunda, navakauya naye, naiye akamubereka, naiye akamusimbisa nenguva idzo vachaiswa kukuparadzwa.