Daniel 12:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa iyo Mikaeri ucasimuka, iye mucinda mukuru unorindira ʋana ʋaʋanhu ʋako; ipapo ŋguʋa yenjodzi icaʋa’po, isinakumboʋa’po yakaɗaro kubva pakumuka kwamarudzi aʋanhu kuȿikira ŋguʋa iyo; neŋguʋa iyo ʋanhu ʋako ʋacarwirwa, iʋo ʋose ʋakanyorwa mubuku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Panguva iyoyo Mikaeri, muchinda mukuru anodzivirira vanhu vako, achasimuka. Pachava nenguva yenhamo isina kumbovapo kubva pakuvamba kwendudzi kusvikira zvino. Asi panguva iyoyo vanhu vako, ani naani ane zita rakanyorwa mubhuku, acharwirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Panguva iyoyo ndipo pachamuka Mikaeri, iye muchinda mukuru anomiririra vanhu vokwako. Pachaita nguva yenhamo isati yambovapo kubvira pakatanga kuva norudzi rwavanhu kusvikira panguva yacho iyoyo. Asi nguva iyoyo munhu wose wokwako anenge aine zita richawanikwa rakanyorwa mubhuku, achanunurwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.
Shona 2009?
"Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.
Shona SUB 2002 Bible
“Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.