Daniel 12:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikanzwa murume wakaŋga akapfeka muceka, wakaŋga ari pamsoro pemvura yorwizi, acisimudzira kuɗeŋga ruʋoko rwake rworudyi noruʋoko rwake rworuɓoshwe, acipika naiye unorarama nokusiŋgaperi, kuti ɀicaita ŋguʋa imŋe, nedzimŋe ŋguʋa, nehafu yeŋguʋa; kana ʋapedza kuputsanya simba raʋanhu ʋatȿene, iɀi ɀose ɀicapedziswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe akanga akapfeka nguo yomucheka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi, akasimudza ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga, ndikamunzwa achipika naiye anorarama nokusingaperi, achiti, “Zvichava kwechinguva nedzimwe nguva nehafu yenguva. Kana simba ravanhu vatsvene rikange raputsanywa, zvinhu zvose izvi zvichapedziswa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu akanga akapfeka rineni aiva kumusoro kwemvura yomurukova uya akasumudzira ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga. Ndakamunzwa achipika naiye Chidzachapo kuti, “Zvichasaruka zvigosarukazve kaviri nokutozosvika pachikamu chapakati napakati chamakei acho uye kuti pachazoperawo zvokuparadza simba rorudzi runoera, zvinhu zvose izvozvi zvichange zvatoitika.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzerinei, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.
Shona 2009?
Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzerineni, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzerinei, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.