Daniel 2:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaKardea ʋakapindura pamberi pamambo, ʋakati: Hakunomunhu pasi pose uŋgagona kuziʋisa shoko iri ramambo, nokuti hakunamambo kana ishe, kana muɓati, wakatoŋgotȿaka cinhu cakaɗai kunowakacenjera kana ŋaŋga, kana muKardea upi noupi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo vachiti, “Hakuna munhu panyika angagona kuita zvinodiwa namambo! Hakuna mambo, kunyange mukuru uye kana ane simba, akambotsvaka chinhu chakadai kun'anga ipi zvayo kana vaya vanoda zvamazango kana vachenjeri vezvenyeredzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaKaridhea vakapindura mambo vachiti, “Hakuna kana nomunhu pasi pano angagone kuita zviri kudiwa namambo izvi nokuti hakunawo changamire mambo chaiye ane simba ati ambobvunza zvakadai izvi kuna ani zvake wamapipi kana wamaminimini kunyange kumuKaridhea upi zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaKaradhea vakapindura pamberi pamambo, vakati, “Hakuna munhu pasi pose angagone kuzivisa shoko iri ramambo, nokuti hakuna mambo kana ishe, kana mubati akatongotsvaka chinhu chakadai kune wakachenjera kana n’anga, kana muKaradhea upi noupi.
Shona 2009?
VaKaradhea vakapindura pamberi pamambo, vakati, "Hakuna munhu pasi pose angagone kuzivisa shoko iri ramambo, nokuti hakuna mambo kana ishe, kana mubati akatongotsvaka chinhu chakadai kune wakachenjera kana n'anga, kana muKaradhea upi noupi.
Shona SUB 2002 Bible
VaKaradhia vakapindura pamberi pamambo, vakati, “Hakuna munhu pasi pose angagone kuzivisa shoko iri ramambo, nokuti hakuna mambo kana ishe, kana mubati akatongotsvaka chinhu chakadai kune wakachenjera kana n'anga, kana muKaradhia upi noupi.