Daniel 2:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinokuʋoŋgai nokukurumbidzai, imi Mŋari wamadziɓaɓa aŋgu, makandipa ʋucenjeri nesimba, mukandiziʋisa ɀino ɀatakakumbira kwamuri; nokuti makatiziʋisa shoko ramambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuvongai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu: Makandipa uchenjeri nesimba, makandizivisa zvatakakumbira kwamuri, makazivisa kwatiri kurota kwamambo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndinokutendai ndichikurumbidzai imi Mwari wamadzibaba angu nokuti makandipa ungwaru nesimba mukandizivisawo zvatakakukumbirai nokuti matizivisa imi nyaya iyi yamambo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinokutendai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu, makandipa uchenjeri nesimba, mukandizivisa zvino zvatakakumbira kwamuri; nokuti makatizivisa shoko ramambo.”
Shona 2009?
Ndinokutendai nokukurumbidzai, imwi Mwari wamadzibaba angu, makandipa uchenjeri nesimba, mukandizivisa zvino zvatakakumbira kwamuri; nokuti makatizivisa shoko ramambo."
Shona SUB 2002 Bible
Ndinokutendai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu, makandipa uchenjeri nesimba, mukandizivisa zvino zvatakakumbira kwamuri; nokuti makatizivisa shoko ramambo.”