Daniel 2:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Arioki akaisa Danieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari: Ndawana munhu pakati paʋana ʋokutapxa ʋaJuda, ucaziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Arioki akaenda naDhanieri kuna mambo nokukurumidza uye akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavakatapwa vokwaJudha anogona kuudza mambo zvinoreva chiroto chavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Arioku akabva akurumidzawo kusvitsa Dhanieri pana mambo akasuma kuna mambo achiti, “Ndazowana munhu mukati menhapwa dzakatapwa kwaJudha anogona kuzivisa mambo dudziro iya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Arioki akaisa Dhanieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavana vokutapwa vaJudha, achazivisa mambo kududzirwa kwazvo.”
Shona 2009?
Ipapo Arioki akaisa Dhanyeri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari, "Ndawana munhu pakati pavana vokutapwa vaJudha, achazivisa mambo kududzirwa kwazvo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Arioki akaisa Dhanieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavana vokutapwa vaJudha, achazivisa mambo kududzirwa kwazvo.”