Daniel 2:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi kuɗeŋga kunaMŋari unoziʋisa ɀakaʋanzika; ndiye wakaziʋisa mambo Nebukadnezari ɀicazoʋa’po pamazuʋa okupedzisira. Kurota kwenyu, neɀamakaratidzwa mumusoro wenyu panhoʋo dzenyu, heɀi:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi kudenga uku kuna Mwari! Ndiye anoisa pachena zvakavanzika, akatozozivisawo imi mambo Nebhukadhineza zvichaveko mune ramangwana. Hope dzamakarota ndedzidzi idzi nezviratidzo zvakauya mumusoro menyu murere zvenyu pamubhedha ndezvizvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakadzama; ndiye akazivisa mambo Nebhukadhinezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira. Kurota kwenyu, nezvamakaratidzwa mumusoro wenyu panhoo dzenyu, hezvi;
Shona 2009?
asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakadzama; ndiye akazivisa mambo Nebhukadhinezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira. Kurota kwenyu, nezvamakaratidzwa mumusoro wenyu panhovo dzenyu, hezvi;
Shona SUB 2002 Bible
asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakadzama; ndiye akazivisa mambo Nebhukadhineza zvichazovapo pamazuva okupedzisira. Kurota kwenyu, nezvamakaratidzwa mumusoro wenyu panhoo dzenyu, hezvi;