Daniel 2:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muri’mi, mambo, pfuŋgwa dzenyu dzakaʋuya kwamuri muri panhoʋo dzenyu, mukaraŋgarira ɀicazoitwa pashure; ɀino unoziʋisa ɀakaʋanzika, ndiye wakakuziʋisai ɀicazoitwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakadzokera pazvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakauya kwamuri imi mambo murere zvenyu pamubhedha pfungwa dzezvichauya mune ramangwana, iye anodudzira zvakavanzika achikuzivisai zvinhu zvichazovapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kana murimi, mambo, pfungwa dzenyu dzakauya kwamuri muri panhoo dzenyu, mukarangarira zvichazoitwa pashure; zvino anozivisa zvakadzama, ndiye akakuzivisai zvichazoitwa.
Shona 2009?
kana murimi, mambo, pfungwa dzenyu dzakauya kwamuri muri panhovo dzenyu, mukarangarira zvichazoitwa pashure; zvino anozivisa zvakadzama, ndiye akakuzivisai zvichazoitwa.
Shona SUB 2002 Bible
kana murimi, mambo, pfungwa dzenyu dzakauya kwamuri muri panhoo dzenyu, mukarangarira zvichazoitwa pashure; zvino anozivisa zvakadzama, ndiye akakuzivisai zvichazoitwa.