Daniel 2:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi mambo makatarira, mukaʋona cifananidzo cikuru. Cifananidzo ici, caiʋa cikuru kwaɀo, caiʋa nokubginya kwakaiȿo‐naka, cakaŋga cimire pamberi penyu; cakaŋga cicityisa pakuʋonekwa kwaco.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Imi mambo, makatarira, uye ipapo pamberi penyu pakanga pamire chifananidzo, chakakura kwazvo, chaibwinya, chaityisa pakuonekwa kwacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mambo, imi makatarisa mukaona, hero zimufananidzo guru. Zimufananidzo iroro rakanga rakasimba chaizvo richipenya zvakanyanyisa kwazvo rimire mberi kwenyu richityisa kutarisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Imi mambo makatarira, mukaona chifananidzo chikuru. Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokubwinya kwakaisvo‐naka, chakanga chimire pamberi penyu; chakanga chichityisa pakuonekwa kwacho.
Shona 2009?
"Imi mambo makatarira, mukaona chifananidzo chikuru. Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokubwinya kwakaisvo-naka, chakanga chimire pamberi penyu; chakanga chichityisa pakuonekwa kwacho.
Shona SUB 2002 Bible
“Imi mambo makatarira, mukaona chifananidzo chikuru. Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokubwinya kwakaisvo–naka, chakanga chimire pamberi penyu; chakanga chichityisa pakuonekwa kwacho.