Daniel 2:38 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
pose panogara ʋana ʋaʋanhu, wakaisa paruʋoko rwenyu mhuka dzeɓundo neshiri dzokuɗeŋga, akakuitai muɓati waɀo ɀose; imi ndimi musoro wendarama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akaisa marudzi avanhu mumaoko enyu nezvikara zvenyika neshiri dzedenga. Akakuitai mutongi pamusoro pazvo, pose pazvinogara. Ndimi musoro uya wegoridhe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mumaoko menyu ndimo makaiswa, vanhu nomhuka dzesango neshiri dzedenga, kwose kwose ikoko kwazvigere, akakuitai kuti muve nohutongi hwazvo zvose izvozvo. Musoro wendarama uya, ndimi wacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
pose panogara vana vavanhu, wakaisa paruoko rwenyu mhuka dzesango neshiri dzokudenga, akakuitai mubati wazvo zvose; imi ndimi musoro wendarama.
Shona 2009?
pose panogara vana vavanhu, wakaisa paruoko rwenyu mhuka dzesango neshiri dzokudenga, akakuitai mubati wazvo zvose; imwi ndimi musoro wendarama.
Shona SUB 2002 Bible
pose panogara vana vavanhu, wakaisa paruoko rwenyu mhuka dzesango neshiri dzokudenga, akakuitai mubati wazvo zvose; imi ndimi musoro wendarama.