Daniel 2:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋushe bgecinna ʋucaʋa nesimba seɗare, seɀinoita ɗare rinoputsanya nokuparadza ɀose; seɀinoita ɗare rinopxanya iɀi ɀose, saiɀoɀo ʋucaputsanya nokupxanya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakupedzisira kuchava noushe hwechina, hwakasimba sesimbi, nokuti simbi inoputsa nokupwanya zvinhu zvose, uye sokuputsanya kunoita simbi zvinhu, saizvozvi huchapwanya nokuputsanya humwe hwose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuchazovawo noumambo hwechina huchange hwakasimba sesimbi inopwanya nokutiwo simbi inopwanya ichinyatsoparadza zvinhu zvose. Uye sesimbi inopwanya, umambo ihwohwo huchipwanya huchiparadza zvose izvozvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ushe hwechina huchava nesimba sedare, sezvinoita dare rinoputsanya nokuparadza zvose; sezvinoita dare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo uchaputsanya nokupwanya.
Shona 2009?
Ushe bwechina huchava nesimba sedare, sezvinoita dare rinoputsanya nokuparadza zvose; sezvinoita dare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo uchaputsanya nokupwanya.
Shona SUB 2002 Bible
Ushe hwechina huchava nesimba sedare, sezvinoita dare rinoputsanya nokuparadza zvose; sezvinoita dare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo uchaputsanya nokupwanya.