Daniel 2:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀamakaʋona ibge riciʋezwa mugomo, ɀisiŋgaitwi namaʋoko aʋanhu, rikaputsa‐putsa ɗare nendarira nevu nesirveri nendarama, Mŋari mukuru wakaziʋisa mambo ɀicazoitwa pashure; kurota uku ndokwaɀokwaɗi, nokuɗudzirwa kwaɀo ndokwaɀokwaɗi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi ndizvo zvinoreva chiratidzo chedombo rakavezwa pagomo, asi kwete namaoko omunhu, dombo rakaputsa simbi, nendarira, nevhu, nesirivha negoridhe zvikati mwarara. “Mwari mukuru akaratidza mambo zvichaitika pamazuva anouya. Kurota uku ndokwechokwadi uye nedudziro yacho ndeyechokwadi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokuona chaiko kwamakaita kuti dombo rakapipfurwa richibva pagomo risina kudimurwa noruoko rwomunhu, uye kuti rakandopwanyanisa simbi nendarira nomunyakwe nesirivha nendarama zviya, Mwari mukurukuru kwazvo ndiye azivisemi mambo zvinhu zvichazovako mune ramangwana. Hope idzodzi, ihope chaidzo, uye dudziro yacho ndeyechokwadi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo, zvisingaitwi namaoko avanhu rikaputsa‐putsa dare nendarira nevhu nesirivha nendarama, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa pashure; kurota uku ndokwechokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwechokwadi.”
Shona 2009?
Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo, zvisingaitwi namaoko avanhu rikaputsa-putsa dare nendarira nevhu nesirivha nendarama, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa pashure; kurota uku ndokwechokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwechokwadi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo, zvisingaitwi namaoko avanhu rikaputsa–putsa dare nendarira nevhu nesirivha nendarama, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa pashure; kurota uku ndokwechokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwechokwadi.”