Daniel 2:46 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo Nebukadnezari akawira pasi neciso cake, akanamata Danieri, akaraira kuti ʋamuʋigire cipo neɀinonhuwira ɀinozipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake pamberi paDhanieri akamuremekedza akarayira kuti apiwe chipo nezvinonhuwira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Nebhukadhineza akabva ati nouso pasi kota kota achiremekedza Dhanieri, akati vanhu vapire mupiro norusenzi kuna iye Dhanieri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake, akanamata Dhanieri, akarayira kuti vamuvigire chipo nezvinonhuwira zvinozipa.
Shona 2009?
Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake, akanamata Dhanyeri, akarayira kuti vamuvigire chipo nezvinonhuhwira zvinozipa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo Nebhukadhineza akawira pasi nechiso chake, akanamata Dhanieri, akarayira kuti vamuvigire chipo nezvinonhuwira zvinozipa.