Daniel 2:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akapindura, akati kunaʋaKardea: Shoko ratemŋa neni; kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo, mucagurwa‐gurwa, ʋuye dzimba dzenyu dzicaitwa ɗurunhuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akapindura vachenjeri vezvenyeredzi achiti, “Izvi ndizvo zvandafunga chaizvoizvo: Kana imi mukasandiudza kuti kurota kwangu kwaiva kupi uye mukadudzira, ndichaita kuti mugurwegurwe uye dzimba dzenyu dziitwe mirwi yamarara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akapindura vaKaridhea kuti, “Zvandinoreva ndezvechokwadi. Kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, nokudzidudzira kwacho muchabvamburwa kuitwa zvidimbu zvidimbu. Misha yenyu ichisara yava matongo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akapindura, akati kuna vaKaradhea, “Shoko ratemwa neni; kana mukasandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchagurwa‐gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa durunhuru.
Shona 2009?
Mambo akapindura, akati kuna vaKaradhea, "Shoko ratemwa neni; kana mukasandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchagurwa-gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa durunhuru.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akapindura, akati kuna vaKaradhia, “Shoko ratemwa neni; kana mukasandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchagurwa–gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa durunhuru.