Daniel 3:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi mambo makatema cireʋo, kuti munhu mumŋe nomumŋe kana aciŋge acinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, awire pasi acinamata cifananidzo cendarama;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makatema chirevo imi mambo, kuti ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira namabhosvo uye nemhando dzose dzezviridzwa, anofanira kuwira pasi anamate chifananidzo chegoridhe,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handiti imimi mambo, makatema chirevo chinoti: Munhu anenge angonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, anofanira kugwadama pasi achipfugamira chifananidzo chendarama ichi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi mambo makatema chirevo, chokuti munhu mumwe nomumwe kana achinge achinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, awire pasi achinamata chifananidzo chendarama;
Shona 2009?
imwi mambo makatema chirevo, chokuti munhu mumwe nomumwe kana achinge achinzwa kurira komumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeramwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, awire pasi achinamata chifananidzo chendarama;
Shona SUB 2002 Bible
Imi mambo makatema chirevo, chokuti munhu mumwe nomumwe kana achinge achinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, awire pasi achinamata chifananidzo chendarama;