Daniel 3:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Nebukadnezari akaraira nehasha nokutsamŋa kwake kuti Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋaʋuyiswe. Ɀino ʋakaʋuyisa ʋarume aʋa pamberi pamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nebhukadhinezari azere nehasha, akarayira kuti Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vauye. Saka varume ava vakauyiswa pamberi pamambo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nebhukadhineza akabva apenga nehasha akati Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vaunzwe. Vanhu vakaenda navarume ivava pana mambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Nebhukadhinezari akarayira nehasha nokutsamwa kwake kuti Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vauyiswe. Zvino vakauyisa varume ava pamberi pamambo.
Shona 2009?
Ipapo Nebhukadhinezari akarayira nehasha nokutsamwa kwake kuti Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vauyiswe. Zvino vakauyisa varume ava pamberi pamambo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Nebhukadhineza akarayira nehasha nokutsamwa kwake kuti Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vauyiswe. Zvino vakauyisa varume ava pamberi pamambo.