Daniel 3:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nebukadnezari akapindura, akati kwaʋari: Maʋune here, imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ɀamunoramba kushumira mŋari waŋgu, nokunamata cifananidzo cendarama candakamisa ini?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nebhukadhinezari akati kwavari, “Ichokwadi here, imi vana Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego, kuti hamusi kushumira vamwari vangu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nebhukadhineza akavati, “Ichokwadi here, nhai Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego kuti imi hamunamati vamwari vangu kunyange kupfugamira chifananidzo chendarama chandakamisa ini?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nebhukadhinezari akapindura, akati kwavari, “Ichokwadi here, imi Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, kuti munoramba kushumira mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini?
Shona 2009?
Nebhukadhinezari akapindura akati kwavari "Mavune here, imwi Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, kuti munoramba kushumira mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini?"
Shona SUB 2002 Bible
Nebhukadhineza akapindura, akati kwavari, “Ichokwadi here, imi Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, kuti munoramba kushumira mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini?