Daniel 3:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana mucitenda kuwira pasi mucinamata cifananidzo candakaita neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ɀakanaka haɀo; asi kana musiŋganamati, mucawisirwa neŋguʋa iyo mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo; mŋari ucakurwirai mumaʋoko aŋgu ndoupiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino pamunonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, namabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, kana mukagadzirira kuwira pasi, mukanamata chifanaidzo chandakaita, zvakanaka hazvo. Asi kana musingachinamati, muchakandwa mumoto pakarepo. Zvino mwari achakurwirai muruoko rwangu ndoupiko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kana magadzirira kuti pamunongonzwa kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe imiwo mobva magwadama pasi muchipfugamira chifananidzo chandakaita, patsvene, uye pakanaka ipapo. Asi kana imi mukangorega kupfugama, pakarepo munofanira kubva makandwa muvira romoto unopisa kwazvo. Ndoupi mwari angakununurei mumaoko mangu?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana muchitenda kuwira pasi muchinamata chifananidzo chandakaita nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mevira romoto unopfuta kwazvo; mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?”
Shona 2009?
Zvino kana muchitenda kuwira pasi muchina mata chifananidzo chandakaita nenguva yamunonzwa kurira komumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeramwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mevira romoto unopfuta kwazvo; mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana muchitenda kuwira pasi muchinamata chifananidzo chandakaita nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mevira romoto unopfuta kwazvo; mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?”