Daniel 3:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo Nebukadnezari akatuma ʋanhu kundokokera macinda naʋarairi namadzishe naʋatoŋgi naʋaceŋgeti ʋefuma namakurukota naʋaziʋi ʋemirairo naʋaɓati ʋose ʋamatiʋi enyika, kuti ʋaʋuye kumutambo wokugadzwa kwecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akadana machinda, navarayiri, namadzishe, navapi vamazano, navachenjeri vepfuma, navatongi, namakurukota edzimhosva navamwe vabati vose vamatunhu kuti vauye kuzomukumikidza chifananidzo chaakanga amisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Nebhukadhineza akatumira shoko rokuunganidza madzishe navatungamiriri uye masadunhu namakurukota namadzisahomwe uye namagweta navatongi vedzimhosva navakuru vakuru vose zvavo venyika idzodzo kuti vauye paizoteketerwa kuna vamwari chifananidzo ichocho chakanga chamiswa naNebhukadhineza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo Nebhukadhinezari akatuma vanhu kundokokera machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vepfuma namakurukota navazivi vemirayiro navabati vose vamativi enyika, kuti vauye kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari.
Shona 2009?
Ipapo mambo Nebhukadhinezari akatuma vanhu kundokokera machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vefuma namakurukota navazivi vemirayiro navabati vose vamativi enyika, kuti vauye kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo Nebhukadhineza akatuma vanhu kundokokera machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vepfuma namakurukota navazivi vemirairo navabati vose vamativi enyika, kuti vauye kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhineza.