Daniel 3:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo Nebukadnezari wakavunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake: Hatina‐kuwisira ʋarume ʋatatu ʋakasuŋgwa mukati momŋoto here? Iʋo ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Ndiɀoɀo, imi mambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vana mupazano vake achiti, “Ko, havazi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Nebhukadhineza akashamiswa akabva ati nyamu kusumuka ndokuti kumakurukota ake, “Nhaimi hatina here kukanda muvira umu, varume vatatu vakasungwa mbiradzakondo?” Vanhu vakapindura mambo vachiti, “Ndizvozvo chaizvo mambo!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo Nebhukadhinezari akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, “Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here?” Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, “Ndizvozvo, imi mambo.”
Shona 2009?
Ipapo mambo Nebhukadhinezari akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, "Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here?" Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, "Ndizvozvo, imwi mambo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo Nebhukadhineza akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, “Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here?” Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, “Ndizvozvo, imi mambo.”