Daniel 3:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, muwire pasi mucinamata cifananidzo cendarama cakamiswa namambo Nebukadnezari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, nenyere nomutopota norudimbwa nembira, namabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, munofanira kuwira pasi mugonamata chifananidzo chegoridhe chakamiswa naMambo Nebhukadhinezari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamunongonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, munofanira kugwadama pasi mupfugamire chifananidzo ichi chakamiswa namambo Nebhukadhineza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, muwire pasi muchinamata chifananidzo chendarama chakamiswa namambo Nebhukadhinezari;
Shona 2009?
kuti nenguva yamunonzwa kurira komumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeramwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, muwire pasi muchinamata chifananidzo chendarama chakamiswa namambo Nebhukadhinezari;
Shona SUB 2002 Bible
kuti nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, muwire pasi muchinamata chifananidzo chendarama chakamiswa namambo Nebhukadhineza;