Daniel 3:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo neŋguʋa iyo ʋanhu ʋose ʋacinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋakawira pasi ʋakanamata cifananidzo cendarama cakaŋga camiswa namambo Nebukadnezari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, pavakangonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira nemhando dzose dzezviridzwa, vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakawira pasi ndokunamata chifananidzo chegoridhe chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo vanhu vamarudzi ose pavakangonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, marudzi ose iwayo nendudzi dzose nendimi vakati pasi gwadagwa vachipfugamira chifananidzo ichocho chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo nenguva iyo vanhu vose vachinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa nezvimwe zvose zvinoridzwa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakawira pasi vakanamata chifananidzo chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhinezari.
Shona 2009?
Naizvozvo nenguva iyo vanhu vose vachinzwa kurira komumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeramwa nezvimwe zvose zvinoridzwa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakawira pasi vakanamata chifananidzo chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhinezari.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo nenguva iyo vanhu vose vachinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa nezvimwe zvose zvinoridzwa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakawira pasi vakanamata chifananidzo chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza.