Daniel 4:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiko kurota kwandakaʋona, ini mambo Nebukadnezari; ɀino iwe Berteshazari, ci ndi ziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ʋakacenjera ʋose ʋoʋushe bgaŋgu ɀaʋasiŋgagoni kundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo; asi iwe unogona, nokuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndiko kurota kwandakaita, ini Mambo Nebhukadhinezari. Zvino chindiudza, zvazvinoreva, iwe, Bheriteshazari, nokuti hakuna varume vakachenjera muushe hwangu vangagona kundidudzira. Asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Izvozvi izvi ndizvo zvandakarota ndichiona, ini mambo Nebhukadhineza. Saka zvino iwe Bheriteshaza dudzira zvadzinoreva nokuti vangwaru vose zvavo venyika youmambo hwangu havana kugona kundizivisa dudziro yacho. Asi iwe unozvikwanisa pamusana pokuti mauri mune Mweya waMwari Anoera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndiko kurota kwandakaona, ini mambo Nebhukadhinezari; zvino iwe Bheteshaari, chindizivisa kududzirwa kwazvo, vakachenjera vose voushe hwangu zvavasingagoni kundizivisa kududzirwa kwazvo; asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako.”
Shona 2009?
"Ndiko kurota kwandakaona, ini mambo Nebhukadhinezari; zvino iwe Bheteshaari, chindizivisa kududzirwa kwazvo, vakachenjera vose voushe hwangu zvavasingagoni kundizivisa kududzirwa kwazvo; asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako."
Shona SUB 2002 Bible
“Ndiko kurota kwandakaona, ini mambo Nebhukadhineza; zvino iwe Bheteshaari, chindizivisa kududzirwa kwazvo, vakachenjera vose voushe hwangu zvavasingagoni kundizivisa kududzirwa kwazvo; asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako.”