Daniel 4:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Danieri, wakaŋga anezita rinonzi Berteshazari, wakashaiwa shoko ciŋguʋa ciɗuku, pfuŋgwa dzake dzikamuvundusa. Mambo akapindura, akati: Berteshazari, kurota uku nokuɗudzirwa kwaɀo ŋgaɀirege kukuvundusa. Berteshazari akapindura, akati: Ishe waŋgu, kurota uku ŋgakuitirwe ʋanokuʋeŋgai, nokuɗudzirwa kwaɀo ʋadziʋisi ʋenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dhanieri (ndiyewo Bheriteshazari) akakatyamara zvikuru kwechinguva uye pfungwa dzake dzakamuvhundutsa. Saka mambo akati kwaari, “Bheriteshazari, kurota uku kana zvakunoreva ngakurege kukuvhundutsa.” Bheriteshazari akapindura achiti, “Ishe wangu, dai chete kurota uku kwareva vavengi venyu nedudziro yacho vadzivisi venyu!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Dhanieri wokutumidzwa zita rokunzi Bheriteshaza uya akambodumbirwa nazvo kwekanguva; pfungwa dzikamunetsa mumwoyo. Mambo akabva ati, “Bheriteshaza rega kunetseka nehope idzodzi kana nedudziro yadzo. Bheriteshaza ndokuti, ‘Changamire wangu dai zvazvo hope idzi nedudziro yadzo zvananga vanhu vanokuvengai.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhanieri, akanga ane zita rinonzi Bheteshazari, akashayiwa shoko chinguva chiduku, pfungwa dzake dzikamuvhundusa. Mambo akapindura, akati, “Bheteshazari, kurota uku nokududzirwa kwazvo ngazvirege kukuvhundusa.” Bheteshazari akapindura, akati, “Ishe wangu, kurota uku ngakuitirwe vanokuvengai, nokududzirwa kwazvo vadzivisi venyu.
Shona 2009?
Zvino Dhanyeri, akanga ane zita rinonzi Bheteshazari, akashayiwa shoko chinguva chiduku, pfungwa dzake dzikamuvhundusa. Mambo akapindura, akati, "Bheteshazari, kurota uku nokududzirwa kwazvo ngazvirege kukuvhundusa." Bheteshazari akapindura, akati, "Ishe wangu, kurota uku ngakuitirwe vanokuvengai, nokududzirwa kwazvo vadzivisi venyu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhanieri, akanga ane zita rinonzi Bheteshazari, akashayiwa shoko chinguva chiduku, pfungwa dzake dzikamuvhundusa. Mambo akapindura, akati, “Bheteshazari, kurota uku nokududzirwa kwazvo ngazvirege kukuvhundusa.” Bheteshazari akapindura, akati, “Ishe wangu, kurota uku ngakuitirwe vanokuvengai, nokududzirwa kwazvo vadzivisi venyu.