Daniel 4:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo ɀaakaʋona murindi, ari mutȿene, aciɓuruka kuɗeŋga aciti: Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvu, wakasuŋgwa necisuŋgo ceɗare nendarira pakati peɓumhudza resaŋgo, anyoroʋeswe neɗoʋa rokuɗeŋga, ʋuye apiwe mugoʋe wake pamŋe cete nemhuka dzesaŋgo, kuȿikira ŋguʋa nomŋe dzapera ari’po;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Imi, iyemi mambo, makaona mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti uyo muuparadze, asi musiye hunde, yakasungwa nesimbi nendarira, mukati mebundo resango, asi midzi yawo iri muvhu. Ngaanyoroveswe nedova redenga; ngaararame semhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzamuperera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino sokuona kwamakaita mumwe mutariri anoera achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti uyu muuparadze! Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu chaita zvokusungwa chaizvo nengetani dzesimbi nendarira nouswiswi hwomusango, mumurege ambonyorova nedova redenga ambova kuboka remhuka muuswa hwenyika ambosaruka kanomwe akadaro.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino mambo zvaakaona mutumwa, ari mutsvene, achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvhu, yakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, anyoroveswe nedova rokudenga, uye apiwe mugove wake pamwechete nemhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzapera aripo;’
Shona 2009?
"Zvino mambo zvaakaona mutumwa, ari mutsvene, achiburuka kudenga achiti, `Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvhu, yakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, anyoroveswe nedova rokudenga, uye apiwe mugove wake pamwechete nemhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzapera aripo;'
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino mambo zvaakaona mutumwa, ari mutsvene, achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvhu, yakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, anyoroveswe nedova rokudenga, uye apiwe mugove wake pamwechete nemhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzapera aripo;’