Daniel 4:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mucadziŋgwa pakati paʋanhu, ʋugaro bgenyu ʋucaʋa pakati pemhuka dzesaŋgo, mucadyiswa ʋuswa senzombe, mucanyoroʋeswa neɗoʋa rokuɗeŋga, ʋuye ŋguʋa nomŋe dzicapera muri’po, kuȿikira maziʋa kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muchadzingwa pakati pavanhu uye muchagara nemhuka dzesango; muchadya bundo semombe uye muchanyoroveswa nedova redenga. Nguva nomwe dzichakupfuurai kusvikira maziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani zvake waanenge ada.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
chokuti muchabviswa mukati mavanhu mugondogara pamwechete nemhuka dzesango. Muchafuriswa uswa semombe muchinyorova nedova redenga, muchapedza makore manomwe makadaro, kusvikira imi mazoziva kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwevanhu achihupa kuna ani naani waanenge ada zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Muchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwenyu huchava pakati pemhuka dzesango, muchadyiswa uswa senzombe, muchanyoroveswa nedova rokudenga, uye nguva nomwe dzichapera muripo, kusvikira maziva kuti Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, unoupa waanoda.
Shona 2009?
"Muchadzingwa pakati pavanhu, ugaro bwenyu huchava pakati pemhuka dzesango, muchadyiswa uswa senzombe, muchanyoroveswa nedova rokudenga, uye nguva nomwe dzichapera muripo, kusvikira maziva kuti Wokumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, unohupa waanoda.
Shona SUB 2002 Bible
“Muchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwenyu huchava pakati pemhuka dzesango, muchadyiswa uswa senzombe, muchanyoroveswa nedova rokudenga, uye nguva nomwe dzichapera muripo, kusvikira maziva kuti Wokumusoro–soro anobata ushe pakati pavanhu, unoupa waanoda.