Daniel 4:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo imi mambo, tendai ɀandinokurairai, muparadzane neɀiʋi ɀenyu muciita ɀakarurama, ʋuye neɀakaipa ɀenyu, muciitira ʋarombo nyasha; ɀimŋe ŋguʋa yenyu yorugare iŋgawedzerwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, imi mambo, farirai mugogamuchira zvandinokurayirai: Fukidzai zvivi zvenyu nokuita zvakarurama, uye kuipa kwenyu nokuitira zvakanaka vanomanikidzwa. Zvimwe zvingaitika kuti ipapo kubudirira kwenyu kuchaenderera mberi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo imimi mambo dai waro mukandinzwawo zano rangu iri rokuti, kandai pasi zvitadzo zvenyu muite zvakarurama musiyane nouipi muitire tsiye nyoro vakadzvinyirirwa, ndipo pazvingangoitika kuti zvinhu zvikufambirei zvakanaka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo imi mambo, tendai zvandinokurayirai, muparadzane nezvivi zvenyu muchiita zvakarurama, uye nezvakaipa zvenyu, muchiitira varombo nyasha; zvimwe nguva yenyu yorugare ingawedzerwa.”
Shona 2009?
Naizvozvo imwi mambo, tendai zvandinokurayirai, muparadzane nezvivi zvenyu muchiita zvakarurama, uye nezvakaipa zvenyu, muchiitira varombo nyasha; zvimwe nguva yenyu yorugare ingawedzerwa."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo imi mambo, tendai zvandinokurayirai, muparadzane nezvivi zvenyu muchiita zvakarurama, uye nezvakaipa zvenyu, muchiitira varombo nyasha; zvimwe nguva yenyu yorugare ingawedzerwa.”