Daniel 4:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shoko iri rakaŋga riciri mumuromo wamambo, inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Iwe mambo Nebukadnezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti: Ʋushe bgabva kwauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mashoko akanga achiri mumuromo make pakauya inzwi richibva kudenga richiti, “Hezvino zvawatemerwa, iwe Mambo Nebhukadhinezari: Simba roumambo hwako rabviswa kwauri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mashoko iwayo achiri pamuromo wamambo kudaro, kudenga kwakabva izwi rikati, “Iwe mambo Nebhukadhineza herino shoko ratinoreva kwauri: Iwewe wabviswa paumambo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shoko iri rakanga richiri mumuromo wamambo, izwi rikabva kudenga, richiti, “Iwe mambo Nebhukadhinezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti, ‘Ushe hwabva kwauri.’
Shona 2009?
Shoko iri rakanga richiri mumuromo wamambo, izwi rikabva kudenga, richiti, "Iwe mambo Nebhukadhinezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti, `Ushe hwabva kwauri.'
Shona SUB 2002 Bible
Shoko iri rakanga richiri mumuromo wamambo, izwi rikabva kudenga, richiti, “Iwe mambo Nebhukadhineza, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti, ‘Ushe hwabva kwauri.’