Daniel 4:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ucadziŋgwa pakati paʋanhu, ʋugaro bgako ʋucaʋa pakati pemhuka dzesaŋgo; ucadyiswa ʋuswa senzombe; ŋguʋa nomŋe dzicapera uri’po, kuȿikira watenda kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uchadzingwa pakati pavanhu uye uchagara nemhuka dzesango; uchadya uswa semombe. Nguva nomwe dzichakuperera kusvikira waziva kuti Wokumusoro-soro ndiye Ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anohupa kuna ani zvake waanenge ada.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uchabviswa mukati mavanhu wava kundogara pamwechete nemhuka dzesango kwauchafuriswa uswa semombe, uchasaruka kanomwe wakadaro udzidze kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga umambo hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwako huchava pakati pemhuka dzesango; uchadyiswa uswa senzombe; nguva nomwe dzichapera uripo, kusvikira watenda kuti Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda.
Shona 2009?
Uchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwako huchava pakati pemhuka dzesango; uchadyiswa uswa senzombe; nguva nomwe dzichapera uripo, kusvikira watenda kuti Wokumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda.
Shona SUB 2002 Bible
Uchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwako huchava pakati pemhuka dzesango; uchadyiswa uswa senzombe; nguva nomwe dzichapera uripo, kusvikira watenda kuti Wokumusoro–soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda.