Daniel 4:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mazuʋa iwayo akati apera, ini Nebukadnezari ndikatarira kuɗeŋga nameso aŋgu, simba raŋgu rokufuŋga rikadzokera ɀe kwandiri, ndikaʋoŋga Wokumsoro‐soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye uri mupenyu nokusiŋgaperi; nokuti ʋushe bgake haʋuperi, nokuɓata kwake ʋushe kunoȿikira kumarudzi namarudzi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nguva iyoyo yakati yapera, ini, Nebhukadhinezari, ndakasimudzira meso angu kudenga, uye pfungwa dzangu dzakavandudzwa. Ipapo ndakarumbidza Wokumusoro-soro; ndakamuremekedza uye ndikamukudza iye anogara nokusingaperi. Ushe hwake hahuperi; umambo hwake hunogara kubva kuchizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti mazuva iwayo apera, ini Nebhukadhineza ndakatarisa nameso angu kudenga uku ndokubva pfungwa dzangu dzadzokera pamwechete. Ndipo pandakatenda iye Wokumusorosoro ndichirumbidza nokuremekedza iye Anogara narini wose: nokuti hutongi hwake hutongi hwokugara nokugara uye umambo hwake, umambo hunoramba huripo chizvarwa nechizvarwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino mazuva iwayo akati apera, ini Nebhukadhinezari ndikatarira kudenga nameso angu, simba rangu rokufunga rikadzokerazve kwandiri, ndikatenda Wokumusoro‐soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye ari mupenyu nokusingaperi; nokuti ushe hwake hauperi, nokubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi;
Shona 2009?
"Zvino mazuva iwayo akati apera, ini Nebhukadhinezari ndikatarira kudenga nameso angu, simba rangu rokufunga rikadzokerazve kwandiri, ndikatenda Wokumusoro-soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye ari mupenyu nokusingaperi; nokuti ushe hwake hauperi, nokubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi;
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino mazuva iwayo akati apera, ini Nebhukadhineza ndikatarira kudenga nameso angu, simba rangu rokufunga rikadzokerazve kwandiri, ndikatenda Wokumusoro–soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye ari mupenyu nokusingaperi; nokuti ushe hwake hauperi, nokubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi;