Daniel 4:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa iyeyo simba raŋgu rokufuŋga rakadzokera kwandiri; ʋuye kana iri mbiri yoʋushe bgaŋgu, ʋumambo bgaŋgu nokubginya kwaŋgu ɀakadzokera kwandiri; makurukota aŋgu namadzishe aŋgu akandishanyira ɀe, ndikagadzwa ɀe paʋushe bgaŋgu, ʋukuru bgakaiȿo‐naka ʋukandiwedzerwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yacho iyoyo yakavandudzwa pfungwa dzangu, kukudzwa kwangu nokubwinya kwangu kwakadzorerwa kwandiri nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu. Vanamupamazano vangu namakurukota vakanditsvaka, uye ndakadzorerwazve pachigaro changu choushe ndikava mukuru kunyange kupfuura kare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva yakareyo pfungwa dzangu dzakadzokera pamwechete uyewo mbiri youmambo hwangu noukuru hwangu nomukurumbira wangu zvakabva zvadzokera kwandiri. Makurukota angu namadzishe angu vakanditsvaga ndikazogarazve paumambo hwangu ndokubva ndatonyanya kuwedzerwa kupiwa humwe ukuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva iyeyo simba rangu rokufunga rakadzokera kwandiri; uye kana iri mbiri youshe hwangu, umambo hwangu nokubwinya kwangu zvakadzokera kwandiri; makurukota angu namadzishe angu akandishanyirazve, ndikagadzwazve paushe hwangu, ukuru hwakaisvonaka hukawedzerwa.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible