Daniel 4:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ini Nebukadnezari ndinorumbidza nokuwombera nokukudza Mambo wokuɗeŋga; nokuti maɓasa ake ose ndeeɀokwaɗi, nzira dzake dzakarurama; iye unogona kuɗeredza ʋanofamba ʋaciɀikudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ini Nebhukadhinezari, ndinorumbidza nokusimudzira nokukudza Mambo wokudenga, nokuti zvose zvaanoita zvakarurama uye nzira dzake dzose dzakarurama. Uye iye anogona kuninipisa vaya vanofamba mukuzvikudza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ini, Nebhukadhineza ndinorumbidza, nokukudza nokumuremekedza iye Mambo Nyadenga nokuti mabasa ake ose akarurama, uye makwara ake ano ruenzaniso, vanhu vanozvikudza anogona kuvadukupisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino ini Nebhukadhinezari ndinorumbidza nokuombera nokukudza Mambo wokudenga; nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi, nzira dzake dzakarurama; iye anogona kuderedza vanofamba vachizvikudza.”
Shona 2009?
Zvino ini ebhukadhinezari ndinorumbidza nokuombera nokukudza Mambo wokudenga; nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi, nzira dzake dzakarurama; iye anogona kuderedza vanofamba vachizvikudza."
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino ini Nebhukadhineza ndinorumbidza nokuombera nokukudza Mambo wokudenga; nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi, nzira dzake dzakarurama; iye anogona kuderedza vanofamba vachizvikudza.”