Daniel 4:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi pakupedzisira Danieri wakaʋuya pamberi paŋgu, iye unezita rinonzi Berteshazari, wakatumidzwa nezita ramŋari waŋgu, unomŋeya waʋamŋari ʋatȿene mukati make; ini ndikamuʋudza kurota kwaŋgu, ndiciti:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakupedzisira, Dhanieri akauya pamberi pangu ndikamuudza kurota kwangu. (Ndiye anonzi Bheriteshazari, akapiwa zita ramwari wangu, uye mweya wavamwari vatsvene uri maari.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakupedzesera akapinda Dhanieri, uya akatumidzwa zita rokuti Bheriteshaza rinoenderanawo nezita ramwari wangu, akapinda mandaiva. Maari mune Mweya waMwari Anoera. Ndakamutaurira hope idzodzo ndichiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi pakupedzisira Dhanieri akauya pamberi pangu, iye ane zita rinonzi Bheteshazari, akatumidzwa zita ramwari wangu, anomweya wavamwari vatsvene mukati make; ini ndikamuudza kurota kwangu, ndichiti,
Shona 2009?
Asi pakupedzisira Dhanyeri akauya pamberi pangu, iye ane zita rinonzi Bheteshazari, akatumidzwa zita ramwari wangu, anomweya wavamwari vatsvene mukati make; ini ndikamuudza kurota kwangu, ndichiti,
Shona SUB 2002 Bible
Asi pakupedzisira Dhanieri akauya pamberi pangu, iye ane zita rinonzi Bheteshazari, akatumidzwa zita ramwari wangu, anomweya wavamwari vatsvene mukati make; ini ndikamuudza kurota kwangu, ndichiti,