Daniel 5:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti kunaDanieri, wakatumidzwa Berteshazari namambo, kwakawanikwa mŋeya wakanaka kwaɀo, neziʋo, nokunzwisisa, nokuɗudzira kurota, nokuɓuɗisa mashoko akaʋanzika, nokusunuŋgura fundo. Ɀino Danieri ŋgaaɗanwe, iye uca ku ziʋisai kuɗudzirwa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume uyu Dhanieri, iye akatumidzwa kuti Bheriteshazari namambo, akawanikwa aine pfungwa dzine shungu nezivo nokunzwisisa, uye nokugona kududzira kurota, nokutsanangura zvirambwe nokupedza matambudziko. Daidzai Dhanieri, iyeye achakuudzai zvinoreva runyoro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chakadariso ndechichi chokuti mweya wakanaka kwazvo noruzivo, nokunzwisisa zvokududzira hope izvi, nokurapanura zvirahwe, nokunyatsogadzirisa zvinenge zvanetsa, zvaiva muna Dhanieri iyeyo akazenge apiwa namambo zita rokuti Bheritishaza. Zvino Dhanieri ngaadaidzwe agokuratidzai dudziro yazvo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti kuna Dhanieri, akatumidzwa Bheteshazari namambo, kwakawanikwa mweya wakanaka kwazvo, nezivo, nokunzwisisa, nokududzira kurota, nokubudisa mashoko akavanzika, nokusunungura pfundo. Zvino Dhanieri ngaadanwe, iye achakuzivisai kududzirwa kwazvo.”
Shona 2009?
nokuti kuna Dhanyeri, akatumidzwa Bheteshazari namambo, kwakawanikwa mweya wakanaka kwazvo, nezivo, nokunzwisisa, nokududzira kurota, nokubudisa mashoko akavanzika, nokusunungura pfundo. Zvino Dhanyeri ngaadamwe, iye achakuzivisai kududzirwa kwazvo."
Shona SUB 2002 Bible
nokuti kuna Dhanieri, akatumidzwa Bheteshazari namambo, kwakawanikwa mweya wakanaka kwazvo, nezivo, nokunzwisisa, nokududzira kurota, nokubudisa mashoko akavanzika, nokusunungura pfundo. Zvino Dhanieri ngaadanwe, iye achakuzivisai kududzirwa kwazvo.”