Daniel 5:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Danieri akaʋuyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kunaDanieri: Ndiwe uya Danieri, waʋana ʋaJuda ʋakatapxa, wakandotapxa kuʋaJuda naɓaɓa ʋaŋgu here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo, mambo akati kwaari, “Ndiwe Dhanieri mumwe wavakatapwa nababa vangu mambo kubva kuJudha here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhanieri akaunzwamo pana mambo, Mambo akati kuna Dhanieri, “Handiti iwe ndiwe Dhanieri, mumwe wenhapwa dzokwaJudha vaya vakaunzwa kuno nababa wangu kubva kwaJudha?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Ndiwe uya Dhanieri, wavana vaJudha vakatapwa, wakandotapwa kuvaJudha nababa vangu here?
Shona 2009?
Ipapo Dhanyeri akauyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, "Ndiwe uya Dhanyeri, wavana vaJudha vakatapwa, wakandotapwa kuvaJudha nababa vangu here?
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Ndiwe uya Dhanieri, wavana vaJudha vakatapwa, wakandotapwa kuvaJudha nababa vangu here?