Daniel 5:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakacenjera, idzo ŋaŋga, ʋakaʋuyiswa pamberi paŋgu, kuti ʋaraʋe ɀakanyorwa iɀi, ʋandiziʋise kuɗudzirwa kwaɀo; asi ʋakakoniwa kundiziʋisa kuɗudzirwa kwecinhu ici.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachenjeri, navamazango vakauyiswa pamberi pangu kuti vazoverenga runyoro urwu nokundiudza zvarunoreva, asi havana kugona kunditsanangurira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino vangwaru navanhu vamapipi vakambounzwa muno kwandiri kuzoverenga zvakanyorwa izvi nokundizivisa zvazvinoreva. Asi vakatadza kunditsanangurira zvinhu zvazvinoreva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakachenjera, idzo n’anga vakauyiswa pamberi pangu, kuti varave zvakanyorwa izvi, vandizivise kududzirwa kwazvo; asi vakakoniwa kundizivisa kududzirwa kwechinhu ichi.
Shona 2009?
Zvino vakachenjera, idzo n'anga vakauyiswa pamberi pangu, kuti varave zvakanyorwa izvi, vandizivise kududzirwa kwazvo; asi vakakoniwa kundizivisa kududzirwa kwechinhu ichi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakachenjera, idzo n'anga vakauyiswa pamberi pangu, kuti varave zvakanyorwa izvi, vandizivise kududzirwa kwazvo; asi vakakoniwa kundizivisa kududzirwa kwechinhu ichi.