Daniel 5:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndakanzwa ɀako, kuti unogona kuɗudzira, nokusunuŋgura fundo; ɀino kana ukagona kuraʋa ɀakanyorwa, nokundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ucafukidzwa ŋguʋo tȿuku, nokushoŋgedzwa ʋuketani bgendarama pamutsipa wako, ʋuye ucaʋa muɓati wecitatu paʋushe bgaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ndanzwa kuti unogona kupa dudziro nokupedza matambudziko. Kana ukagona kuverenga runyoro nokunditaurira zvarunoreva, uchafukidzwa nguo yepepuru uye uchaiswa uketani hwegoridhe pamutsipa wako, uye uchaitwa mutongi wechitatu wapamusoro-soro poushe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ndakanzwa kuti iwe unokwanisa kududzira zvinhu nokupedza nhamo. Zvino, kana ukagona kuverenga zvakanyorwa izvi ukanditsanangurira zvazvinoreva, uchapfekedzwa hanzu yoruvara rwohute ugoshongedzwa muhuro necheni yendarama uyezve unozova mutongi wechitatu muumambo huno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndakanzwa, kuti iwe unogona kududzira, nokusunungura pfundo; zvino kana ukagona kurava zvakanyorwa, nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani hwendarama pamutsipa wako, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu.”
Shona 2009?
Asi ndakanzwa, kuti iwe unogona kududzira, nokusunungura pfundo; zvino kana ukagona kurava zvakanyorwa, nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa vungetani bwendarama pamutsipa wako, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu."
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndakanzwa, kuti iwe unogona kududzira, nokusunungura pfundo; zvino kana ukagona kurava zvakanyorwa, nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani hwendarama pamutsipa wako, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu.”