Daniel 5:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakaʋuya nemidziyo yendarama yakaŋga yabviswa patembere yeimba yaMŋari yaiʋa paJerusarema; iye mambo namadzishe ake naʋakadzi ʋake naʋaroŋgo ʋake ʋakanwa nayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakamwira mairi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo vakaunza midziyo yendarama neyesirivha yakanga yapambwa yacho muTemberi, mumba yaMwari kuJerusaremu. Mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake, vakanwira zvavo mairi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakanwa nayo.
Shona 2009?
Ipapo vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakamwa nayo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakanwa nayo.